MUBEREKE AGOKUBEREKAVO
KUZVISHONGEDZA KUSHONGEDZANA
KUVA NEPFUNGWA DZAKACHENA KUNOJEKESA ZHIRA YATINOFAMBA TOSE
Kunyomba nekupazhira paunodyira KUNOITA kuti utange kufunga kuti Mwari neMidzimu zvakurasha. Zvakakosha kuzvitarisisa. Kuzviongorora vuye kugadzirisa paunoresva.
Hezvinoi nhasi uno zvaramba kufamba mafambiro awanga uchida. Zvodinhwi? Wovengazve here kana kuti wodoita nezviripo
Zva kuda pfungwa dzakadzama uye kutendeka.
Shoko rekuti “Kutendeka” harina kusiyana nerekuti
*Kutendevuka” . Zvivi zvinowanikwa vuye vamwe vanati vezvivi vanenge vachifunga kuti varimugwara kwaro nenyaya yekusafzidza gwara kubva kurukuvhute.
Paya pandakati Dzoka kurukuvhute. Ndaireva kuti usachembera usina kutsikavhu rekwako kwakavigwa gwako rukuvhute.
Kune rukuvhute kunorapa. Zvakangofanana nekuti chero ukagumbukira rukuvhute gwako. Hapana chichagadziriska mumeso Ako kana iwe usipo mbune wachonanoda kuti zvawavona zvakaresveka nekuminama zvigadzirise.
Ukanzvenga makomborero achovo anonzvenga.
Hakuna munhu anonotengesa zvizvagwa zverukuvhute zvake ofunga kuti zvichazvidzosera nekuzvigadzirisa zvoga.
Ndirikureva iyewe anomhura kwaakabva asi achitengesa zvisikwa nezviraramiso zvinova ndizvo zvinoita kuti mhuri yacho yaurikuchemera kuti irarame
Ndichirimuzhira nemwadhi ino kwauri. Inyaya yekutanangira nekupazhira oawadyira usingavoreri. Wonotsvaga patsva uchiita vusimbe hwekuzorapwa nevhu kurukuvhute kwako.
Chirega kutanangira udzidze kuti Chenuro ino inoda kutendevuka nechokwadi chako wakazvitarisa kuti inoda kuvigwepi kana wafa.
Hatidi munhu anozoshungurudza vamwe vausinga taudzani navo nhasi.



