In my book I stated that an African man of today needs bonding, and is supposed to learn more about it so that he knows how to protect himself and his family — and avoid being separated from it.
Bhuku ReMBEREKO
“Masungiro aingotirwa munhukadzi” uye masungiro haana kumira zvuchiriko kumhuri dzichirikuita Chikaranga chavo nemazvo. Munhurume kana kuti mwanakomana, aiendeswa kwasekuru kunova ndiko kwaanodzidziswa remekedzi yehurume hwake nehumambo. Vazhinji ndipo pavaidzidziswa huvhimi vachisiirwa nhaka yamudzinza.
Mukore uno vanhu vaparadzaniswa vavakushanda mhiri kwemakungwa vachimhanyidzana nendarama. Vamwe havachambozivi kuti vaiva sekuru, hanzvadzi yamai ndiani kana kuti baba vababa vainzani, uye vakavigwa papi. Angove mazvake mazvake — kunyanya kuudzwa kuti vemudzinza ndivo varikukukanganisa, kuita kugwisaniswa nevatorwa vasingazivi kuti dzinde rako riripapi.
Vanhurume vaisa mbereko vana kumusana nekuti pamusha paiva nemhuri dzaibatsirana uye dzakabatana. Vana vaidzidziswa nevedzinza zvekuti kana iye munhurume aiziva zvirikuitika mumusha make. Umwe nemumwe aiva nechijana chake chekuteerera nekuteererwa.
Mbereko nedzidziso yayo kumunhurume yava kudiwa nekuti vana varikuzvarwa mukore uno havachina kubatana nababa mumusha. Baba vanoda kuteererwa nekuwirirana nevana vavo mumba, ngavazive kuti mwana iyeye akazvarwa sei, mudzimai akarwadziwa sei uye mwana arikukura sei — kwete kungounza ndarama usingazivi kuti chana changu nhasi chafungei uye chataura nani nezvinomushungurudza.
Mufananidzo uyo wakatorwa ku Hartmann College muZimbabwe, kwandakadaniwa kuzodzidzisa nezveMbereko. Catch them young.
— Written and unedited by Muchaneta, Mbereko aka Bereka Academy.



